[Intro: Soul Jah Love] (Bodyslam Records) Tell dem seh PTK Vataurire kuti handibatike Handikundike handichadhiniwa Kunyangwe ivo vandituke [Verse 1: Soul Jah Love] Pandakazvarwa vamwe vakauya nezvipo Vachitotiwo makorokoto Vaishora vamwe vachingoti hapana Ndopazozvarwawo zviroto Nekufurira mai vamwe vemumaraini Mwana mukande muchoto Vaisaona zvemberi, vaingoti hapana uyu Mwana uyu matoto [Pre-Chorus: Soul Jah Love] Munonzwa zvakunzi Ndini ndakamuimbisa Ndini ndakamuchenesa Ndakamutengera hembe Ndini ndakaita kuti zvifambe Saka imi musazvirambe Ndini ndaimudriver Ndini ndakaita kuita kusurviver Ndini ndakamupinza kumberi Asi hupenyu ndewaMwari Hameno nei [Chorus: Soul Jah Love] Hakuna munhu anochengeta munhu Munhu anochengetwa naMwari Haachengetwe nemari Unonzwa zvakunzi Ndini ndakamuchengeta Kunge ndiwe Mwari Hakuna munhu anochengeta mumwe Munhu Munhu anochengetwawo naMwari Kwete nemari kwete nemari Inzwa iwe shamwari [Verse 2: Soul Jah Love] Unonzwa zvakunzi Wapaziva pandakakupa 5 dhombie Uchiti urikuda kunokwira kombie Ndokundichengeta kwacho here Nhai iwe sei usinganyare Ndini ndakamusimbisa Vanhu vese vachida kumupikisa Ndini ndakamubatsira Vachimurwisa Ndini ndakamuwinisa Asi Mwari Hupenyu hautengwe nemari Hazvisi zvepandarii Ndohupenyu usarambe [Chorus: Soul Jah Love] Hakuna munhu anochengeta munhu Munhu anochengetwa naMwari Haachengetwe neMari Unonzwa zvakunzi Ndini ndakamuchengeta
Kunge ndiwe Mwari Hakuna munhu anochengeta mumwe munhu Munhu anochengetwawo naMwari Kwete neMari kwete neMari Inzwa iwe shaMwari [Verse 3: Soul Jah Love] Pamwe pacho Kana uchinge wapa iwe Ipa nemoyo wese Kana uchinge wabatsira Gara waratidzira Kwete kuzobvunza ramangwana Kuda kuzonzi Ndini ndakamubatsira kuroora Ndini ndakamubatisa kutsvaga dhora Ndini nxa Anga arigora Uyu anga aritsaga Ndini ndakamuratidza zvine swagga Ndini Aah ah bvunza Kwagga Ndini ndakano [Chorus: Soul Jah Love] Hakuna munhu anochengeta munhu Munhu anochengetwa naMwari Haachengetwe neMari Unonzwa zvakunzi Ndini ndakamuchengeta Kunge ndiwe Mwari Hakuna munhu anochengeta Mumwe Munhu Munhu anochengetwawo naMwari Kwete neMari kwete neMari Inzwa iwe shaMwari [Verse 3: Soul Jah Love] Zvimwe zvese munotenga mabenz Moita futi mazimari finance But ka Satan jamba mafence Vataurire kuti ndiri weromance But manje pamuchati uyo ibenz Musingazive ndiye wacho aneStanzi AnemaPlans achaita maFans Ndiye achauya kumba nemaRands Asi kana muchinge mapa Ipai neMoyo wese Kana muchinge maita Itai neMoyo wese Kwete kuzonoreva ramangwana NdoHupenyu haufe hwakakwana Mari haimbokukwanira Asi Ndati hakuna Munhu anochengeta mumwe munhu Munhu anochengetwa naMwari Kwete neMari Hazvitengeke hupenyu hautengeke Hupenyu hautengeke [Outro] Vawonesei Vazive kuti Mwari Ndiye muridzi weZvinhu izvi Kwete kuti ndini ndaimusungira chamba Asati aimba